Mateus 25

Shona Bible (SHONA) vs VC

Sair da comparação
VC Versão Católica
1 Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
1 Então o Reino dos céus será semelhante a dez virgens, que saíram com suas lâmpadas ao encontro do esposo.
2 Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
2 Cinco dentre elas eram tolas e cinco, prudentes.
3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
3 Tomando suas lâmpadas, as tolas não levaram óleo consigo.
4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
4 As prudentes, todavia, levaram de reserva vasos de óleo junto com as lâmpadas.
5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
5 Tardando o esposo, cochilaram todas e adormeceram.
6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
6 No meio da noite, porém, ouviu-se um clamor: Eis o esposo, ide-lhe ao encontro.
7 Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
7 E as virgens levantaram-se todas e prepararam suas lâmpadas.
8 Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
8 As tolas disseram às prudentes: Dai-nos de vosso óleo, porque nossas lâmpadas se estão apagando.
9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
9 As prudentes responderam: Não temos o suficiente para nós e para vós; é preferível irdes aos vendedores, a fim de o comprardes para vós.
10 Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
10 Ora, enquanto foram comprar, veio o esposo. As que estavam preparadas entraram com ele para a sala das bodas e foi fechada a porta.
11 Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
11 Mais tarde, chegaram também as outras e diziam: Senhor, senhor, abre-nos!
12 Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
12 Mas ele respondeu: Em verdade vos digo: não vos conheço!
13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
13 Vigiai, pois, porque não sabeis nem o dia nem a hora.
14 Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
14 Será também como um homem que, tendo de viajar, reuniu seus servos e lhes confiou seus bens.
15 Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
15 A um deu cinco talentos; a outro, dois; e a outro, um, segundo a capacidade de cada um. Depois partiu.
16 Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
16 Logo em seguida, o que recebeu cinco talentos negociou com eles; fê-los produzir, e ganhou outros cinco.
17 Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
17 Do mesmo modo, o que recebeu dois, ganhou outros dois.
18 Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
18 Mas, o que recebeu apenas um, foi cavar a terra e escondeu o dinheiro de seu senhor.
19 Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
19 Muito tempo depois, o senhor daqueles servos voltou e pediu-lhes contas.
20 Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
20 O que recebeu cinco talentos, aproximou-se e apresentou outros cinco: - Senhor, disse-lhe, confiaste-me cinco talentos; eis aqui outros cinco que ganhei.'
21 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
21 Disse-lhe seu senhor: - Muito bem, servo bom e fiel; já que foste fiel no pouco, eu te confiarei muito. Vem regozijar-te com teu senhor.
22 Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
22 O que recebeu dois talentos, adiantou-se também e disse: - Senhor, confiaste-me dois talentos; eis aqui os dois outros que lucrei.
23 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
23 Disse-lhe seu senhor: - Muito bem, servo bom e fiel; já que foste fiel no pouco, eu te confiarei muito. Vem regozijar-te com teu senhor.
24 Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
24 Veio, por fim, o que recebeu só um talento: - Senhor, disse-lhe, sabia que és um homem duro, que colhes onde não semeaste e recolhes onde não espalhaste.
25 zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
25 Por isso, tive medo e fui esconder teu talento na terra. Eis aqui, toma o que te pertence.
26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
26 Respondeu-lhe seu senhor: - Servo mau e preguiçoso! Sabias que colho onde não semeei e que recolho onde não espalhei.
27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
27 Devias, pois, levar meu dinheiro ao banco e, à minha volta, eu receberia com os juros o que é meu.
28 Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
28 Tirai-lhe este talento e dai-o ao que tem dez.
29 Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
29 Dar-se-á ao que tem e terá em abundância. Mas ao que não tem, tirar-se-á mesmo aquilo que julga ter.
30 Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
30 E a esse servo inútil, jogai-o nas trevas exteriores; ali haverá choro e ranger de dentes.
31 Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
31 Quando o Filho do Homem voltar na sua glória e todos os anjos com ele, sentar-se-á no seu trono glorioso.
32 Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
32 Todas as nações se reunirão diante dele e ele separará uns dos outros, como o pastor separa as ovelhas dos cabritos.
33 Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
33 Colocará as ovelhas à sua direita e os cabritos à sua esquerda.
34 Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
34 Então o Rei dirá aos que estão à direita: - Vinde, benditos de meu Pai, tomai posse do Reino que vos está preparado desde a criação do mundo,
35 Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
35 for I hungered, and ye gave me to eat; I thirsted, and ye gave me to drink; I was a stranger, and ye took me in;
36 ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
36 naked, and ye clothed me; I was ill, and ye visited me; I was in prison, and ye came to me.
37 Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
37 Then shall the righteous answer him saying, Lord, when saw we thee hungering, and nourished thee; or thirsting, and gave thee to drink?
38 Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
38 and when saw we thee a stranger, and took thee in; or naked, and clothed thee?
39 Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
39 and when saw we thee ill, or in prison, and came to thee?
40 Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
40 And the King answering shall say to them, Verily, I say to you, Inasmuch as ye have done it to one of the least of these my brethren, ye have done it to me.
41 Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake.
41 Then shall he say also to those on the left, Go from me, cursed, into eternal fire, prepared for the devil and his angels:
42 Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
42 for I hungered, and ye gave me not to eat; I thirsted, and ye gave me not to drink;
43 ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
43 I was a stranger, and ye took me not in; naked, and ye did not clothe me; ill, and in prison, and ye did not visit me.
44 Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
44 Then shall *they* also answer saying, Lord, when saw we thee hungering, or thirsting, or a stranger, or naked, or ill, or in prison, and have not ministered to thee?
45 Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
45 Then shall he answer them saying, Verily I say to you, Inasmuch as ye have not done it to one of these least, neither have ye done it to me.
46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.
46 And these shall go away into eternal punishment, and the righteous into life eternal.

Ler em outra tradução

Comparar com outra

Estude este capítulo no WhatsApp

Peça à IA da Bíblia Fala para explicar Mateus 25, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.