Mateus 12
Shona Bible (SHONA) vs ARC
1 Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.
1 Naquele tempo, passou Jesus pelas searas, em um sábado; e os seus discípulos, tendo fome, começaram a colher espigas e a comer.
2 Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.
2 E os fariseus, vendo isso, disseram-lhe: Eis que os teus discípulos fazem o que não é lícito fazer num sábado.
3 Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;
3 Ele, porém, lhes disse: Não tendes lido o que fez Davi, quando teve fome, ele e os que com ele
4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete?
4 Como entrou na Casa de Deus e comeu os pães da proposição, que não lhe era lícito comer, nem aos que com ele
5 Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
5 Ou não tendes lido na lei que, aos sábados, os sacerdotes no templo violam o sábado e ficam sem culpa?
6 Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.
6 Pois eu vos digo que está aqui quem é maior do que o templo.
7 Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.
7 Mas, se vós soubésseis o que significa: Misericórdia quero e não sacrifício, não condenaríeis os inocentes.
8 Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
8 Porque o Filho do Homem até do sábado é Senhor.
9 Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.
9 E, partindo dali, chegou à sinagoga deles.
10 Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.
10 E estava ali um homem que tinha uma das mãos mirrada; e eles, para acusarem Jesus, o interrogaram, dizendo: É lícito curar nos sábados?
11 Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza?
11 E ele lhes disse: Qual dentre vós será o homem que, tendo uma ovelha, se num sábado ela cair numa cova, não lançará mão dela e a levantará?
12 Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.
12 Pois quanto mais vale um homem do que uma ovelha? É, por consequência, lícito fazer bem nos sábados.
13 Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
13 Então disse àquele homem: Estende a mão. E ele a estendeu, e ficou sã como a outra.
14 Zvino VaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
14 E os fariseus, tendo saído, formaram conselho contra ele, para o matarem.
15 Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vese.
15 Jesus, sabendo isso, retirou-se dali, e acompanhou-o uma grande multidão de gente, e ele curou a todos.
16 Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.
16 E recomendava-lhes rigorosamente que o não descobrissem,
17 Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
17 para que se cumprisse o que fora dito pelo profeta Isaías, que diz:
18 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga.
18 Eis aqui o meu servo que escolhi, o meu amado, em quem a minha alma se compraz; porei sobre ele o meu Espírito, e anunciará aos gentios o juízo.
19 Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.
19 Não contenderá, nem clamará, nem alguém ouvirá pelas ruas a sua voz;
20 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.
20 não esmagará a cana quebrada e não apagará o morrão que fumega, até que faça triunfar o juízo.
21 Uye vahedheni vachavimba muzita rake.
21 E, no seu nome, os gentios esperarão.
22 Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.
22 Trouxeram-lhe, então, um endemoninhado cego e mudo; e, de tal modo o curou, que o cego e mudo falava e via.
23 Zvaunga zvese zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?
23 E toda a multidão se admirava e dizia: Não é este o Filho de Davi?
24 Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
24 Mas os fariseus, ouvindo isso, diziam: Este não expulsa os demônios senão por Belzebu, príncipe dos demônios.
25 Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri.
25 Jesus, porém, conhecendo os seus pensamentos, disse-lhes: Todo reino dividido contra si mesmo é devastado; e toda cidade ou casa dividida contra si mesma não subsistirá.
26 Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei?
26 E, se Satanás expulsa a Satanás, está dividido contra si mesmo; como subsistirá, pois, o seu reino?
27 Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
27 E, se eu expulso os demônios por Belzebu, por quem os expulsam, então, os vossos filhos? Portanto, eles mesmos serão os vossos juízes.
28 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
28 Mas, se eu expulso os demônios pelo Espírito de Deus, é conseguintemente chegado a vós o Reino de Deus.
29 Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake.
29 Ou como pode alguém entrar em casa do e furtar os seus bens, se primeiro não manietar o valente, saqueando, então, a sua casa?
30 Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira.
30 Quem não é comigo é contra mim; e quem comigo não ajunta espalha.
31 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.
31 Portanto, eu vos digo: todo pecado e blasfêmia se perdoará aos homens, mas a blasfêmia contra o Espírito não será perdoada aos homens.
32 Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.
32 E, se qualquer disser
33 Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko.
33 Ou dizeis que a árvore é boa e o seu fruto, bom, ou dizeis que a árvore é má e o seu fruto, mau; porque pelo fruto se conhece a árvore.
34 Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.
34 Raça de víboras, como podeis vós dizer boas
35 Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa.
35 O homem bom tira boas
36 Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.
36 Mas eu vos digo que de toda palavra ociosa que os homens disserem hão de dar conta no Dia do Juízo.
37 Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.
37 Porque por tuas palavras serás justificado e por tuas palavras serás condenado.
38 Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.
38 Então, alguns dos escribas e dos fariseus tomaram a palavra, dizendo: Mestre, quiséramos ver da tua parte algum sinal.
39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
39 Mas ele lhes respondeu e disse: Uma geração má e adúltera pede
40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
40 pois, como Jonas esteve três dias e três noites no ventre da baleia, assim estará o Filho do Homem três dias e três noites no seio da terra.
41 Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
41 Os ninivitas ressurgirão no Juízo com esta geração e a condenarão, porque se arrependeram com a pregação de Jonas. E eis que
42 Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
42 A Rainha do Sul se levantará no
43 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa.
43 E, quando o espírito imundo tem saído do homem, anda por lugares áridos, buscando repouso, e não o encontra.
44 Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.
44 Então, diz: Voltarei para a minha casa, donde saí. E, voltando, acha-
45 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.
45 Então, vai e leva consigo outros sete espíritos piores do que ele, e, entrando, habitam ali; e são os últimos
46 Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
46 E, falando ele ainda à multidão, eis que estavam fora sua mãe e seus irmãos, pretendendo falar-lhe.
47 Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
47 E disse-lhe alguém: Eis que estão ali fora tua mãe e teus irmãos, que querem falar-te.
48 Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?
48 Porém ele, respondendo, disse ao que lhe falara: Quem é minha mãe? E quem são meus irmãos?
49 Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.
49 E, estendendo a mão para os seus discípulos, disse: Eis aqui minha mãe e meus irmãos;
50 Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi namai.
50 porque qualquer que fizer a vontade de meu Pai, que
Atalhos do teclado
- Capítulo anterior←
- Próximo capítulo→
- Versículo anteriork
- Próximo versículoj
- Limpar seleçãoEsc
- Esta ajuda?
Estude este capítulo no WhatsApp
Peça à IA da Bíblia Fala para explicar Mateus 12, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.