Lucas 18

Shona Bible (SHONA) vs NAA

Sair da comparação
NAA Nova Almeida Atualizada 2017
1 Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo,
1 Jesus lhes contou uma parábola para mostrar que deviam orar sempre e nunca desanimar:
2 achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
2 — Em certa cidade havia um juiz que não temia a Deus, nem respeitava ninguém.
3 zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
3 Havia também, naquela mesma cidade, uma viúva que sempre o procurava, dizendo: “Julgue a minha causa contra o meu adversário.”
4 Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
4 Por algum tempo, ele não a quis atender, mas depois pensou assim: “É bem verdade que eu não temo a Deus, nem respeito ninguém.
5 asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.
5 Porém, como esta viúva fica me incomodando, vou julgar a sua causa, para não acontecer que, por fim, venha a molestar-me.”
6 Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.
6 Então o Senhor disse:
7 Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
7 Será que Deus não fará justiça aos seus escolhidos, que a ele clamam dia e noite, embora pareça demorado em defendê-los?
8 Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?
8 Digo a vocês que, depressa, lhes fará justiça. Contudo, quando o Filho do Homem vier, será que ainda encontrará fé sobre a terra?
9 Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
9 Jesus também contou esta parábola para alguns que confiavam em si mesmos, por se considerarem justos, e desprezavam os outros:
10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
10 — Dois homens foram ao templo para orar: um era fariseu e o outro era publicano.
11 MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
11 O fariseu ficou em pé e orava de si para si mesmo, desta forma: “Ó Deus, graças te dou porque não sou como os demais homens, roubadores, injustos e adúlteros, nem ainda como este publicano.
12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana.
12 Jejuo duas vezes por semana e dou o dízimo de tudo o que ganho.”
13 Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
13 O publicano, estando em pé, longe, nem mesmo ousava levantar os olhos para o céu, mas batia no peito, dizendo: “Ó Deus, tem pena de mim, que sou pecador!”
14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.
14 Digo a vocês que este desceu justificado para a sua casa, e não aquele. Porque todo o que se exalta será humilhado; mas o que se humilha será exaltado.
15 Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
15 Traziam também as crianças a Jesus para que ele as abençoasse, mas os discípulos, ao verem isso, os repreendiam.
16 Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
16 Jesus, porém, chamando as crianças para junto de si, disse:
17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
17 Em verdade lhes digo: Quem não receber o Reino de Deus como uma criança de maneira nenhuma entrará nele.
18 Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
18 Certo homem de destaque perguntou a Jesus: — Bom Mestre, que farei para herdar a vida eterna?
19 Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
19 Jesus respondeu:
20 Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
20 Você conhece os mandamentos: “Não cometa adultério”, “não mate”, “não furte”, “não dê falso testemunho”, “honre o seu pai e a sua mãe”.
21 Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
21 Então o homem disse: — Tudo isso tenho observado desde a minha juventude.
22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
22 Ouvindo isso, Jesus lhe disse:
23 Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru.
23 Mas, ouvindo ele estas palavras, ficou muito triste, porque era riquíssimo.
24 Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
24 Jesus, vendo-o assim triste, disse:
25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
25 Porque é mais fácil um camelo passar pelo fundo de uma agulha do que um rico entrar no Reino de Deus.
26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?
26 Os que ouviram isto perguntaram: — Sendo assim, quem pode ser salvo?
27 Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
27 Mas Jesus respondeu:
28 Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai.
28 Então Pedro disse: — Eis que nós deixamos nossa casa e seguimos o senhor.
29 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
29 Jesus lhes respondeu:
30 asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi.
30 que não receba, no presente, muitas vezes mais e, no mundo por vir, receberá a vida eterna.
31 Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
31 Chamando os doze para um lado, Jesus lhes disse:
32 Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
32 Ele será entregue aos gentios, que vão zombar dele, insultá-lo e cuspir nele.
33 uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.
33 Depois de açoitá-lo, eles o matarão, mas, ao terceiro dia, ressuscitará.
34 Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
34 Eles, porém, não entenderam nada disso. O significado dessas palavras lhes era encoberto, e eles não sabiam do que Jesus estava falando.
35 Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
35 Aconteceu que, quando Jesus se aproximava de Jericó, um cego estava sentado à beira do caminho, pedindo esmolas.
36 rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
36 E, ouvindo o barulho da multidão que passava, perguntou o que era aquilo.
37 Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.
37 Anunciaram-lhe que Jesus, o Nazareno, estava passando.
38 Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
38 Então ele gritou: — Jesus, Filho de Davi, tenha compaixão de mim!
39 Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi!
39 E os que iam na frente o repreendiam para que se calasse. Mas ele gritava cada vez mais: — Filho de Davi, tenha compaixão de mim!
40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
40 Jesus parou e mandou que trouxessem o cego. E, tendo ele chegado, Jesus perguntou:
41 achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
41 — O que você quer que eu lhe faça? Ele respondeu: — Senhor, que eu possa ver de novo.
42 Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
42 Jesus lhe disse:
43 Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.
43 Imediatamente ele passou a ver de novo e seguia Jesus, glorificando a Deus. Também todo o povo, vendo isto, dava louvores a Deus.

Ler em outra tradução

Comparar com outra

Estude este capítulo no WhatsApp

Peça à IA da Bíblia Fala para explicar Lucas 18, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.