João 8
Shona Bible (SHONA) vs NAA
1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
1 Jesus, no entanto, foi para o monte das Oliveiras.
2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
2 De madrugada, voltou novamente para o templo, e todo o povo se reuniu em volta dele; e Jesus, assentado, os ensinava.
3 Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
3 Então os escribas e fariseus trouxeram à presença dele uma mulher surpreendida em adultério e, fazendo-a ficar em pé no meio de todos,
4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
4 disseram a Jesus: — Mestre, esta mulher foi surpreendida em flagrante adultério.
5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
5 Na Lei, Moisés nos ordenou que tais mulheres sejam apedrejadas. E o senhor, o que tem a dizer?
6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.
6 Eles diziam isso tentando-o, para terem de que o acusar. Mas Jesus, inclinando-se, escrevia na terra com o dedo.
7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
7 Como eles insistiam na pergunta, Jesus se levantou e lhes disse:
8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
8 E, inclinando-se novamente, continuou a escrever no chão.
9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati.
9 Mas eles, ouvindo essa resposta, foram saindo um por um, a começar pelos mais velhos até os últimos, ficando só Jesus e a mulher em pé diante dele.
10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
10 Levantando-se, Jesus perguntou a ela:
11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
11 Ela respondeu: — Ninguém, Senhor! Então Jesus disse:
12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.
12 De novo, Jesus lhes falou, dizendo:
13 Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
13 Então os fariseus lhe disseram: — Você dá testemunho de si mesmo. O testemunho que você dá não é verdadeiro.
14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
14 Jesus respondeu:
15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
15 Vocês julgam segundo a carne; eu não julgo ninguém.
16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.
16 E, se eu julgo, o meu juízo é verdadeiro, porque não sou só eu que julgo, mas eu e o Pai, que me enviou.
17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
17 Também na Lei de vocês está escrito que o testemunho de duas pessoas é verdadeiro.
18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
18 Eu dou testemunho de mim mesmo, e o Pai, que me enviou, também dá testemunho de mim.
19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
19 Então eles lhe perguntaram: — Onde está o seu Pai? Jesus respondeu:
20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
20 Jesus proferiu essas palavras perto da caixa de ofertas, quando ensinava no templo. Ninguém o prendeu, porque ainda não havia chegado a sua hora.
21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
21 Outra vez Jesus lhes falou, dizendo:
22 Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?
22 Então os judeus diziam: — Será que ele tem a intenção de se suicidar? Porque diz: “Para onde eu vou vocês não podem ir.”
23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
23 Jesus lhes disse:
24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
24 Por isso, eu lhes disse que vocês morrerão em seus pecados. Porque, se não crerem que
25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
25 Então lhe perguntaram: — Quem é você? Jesus respondeu:
26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
26 Muitas coisas tenho para falar e julgar a respeito de vocês. Porém aquele que me enviou é verdadeiro, de modo que as coisas que dele ouvi, essas digo ao mundo.
27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.
27 Eles não entenderam que Jesus lhes falava do Pai.
28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
28 Então Jesus disse:
29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza.
29 E aquele que me enviou está comigo, não me deixou só, porque eu faço sempre o que lhe agrada.
30 Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
30 Quando Jesus disse isto, muitos creram nele.
31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
31 Então Jesus disse aos judeus que haviam crido nele:
32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
32 conhecerão a verdade, e a verdade os libertará.
33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?
33 Eles responderam: — Somos descendência de Abraão e jamais fomos escravos de ninguém. Como você pode dizer que seremos livres?
34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.
34 Jesus respondeu:
35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi.
35 O escravo não fica sempre na casa; o filho, sim, fica para sempre.
36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
36 Se, pois, o Filho os libertar, vocês serão verdadeiramente livres.
37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
37 Bem sei que vocês são descendência de Abraão; no entanto, estão querendo me matar, porque a minha palavra não está em vocês.
38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
38 Eu falo das coisas que vi junto de meu Pai; vocês, porém, fazem o que ouviram do pai de vocês.
39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.
39 Então lhe disseram: — Nosso pai é Abraão. Mas Jesus respondeu:
40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.
40 Mas agora vocês estão querendo me matar, a mim que lhes falei a verdade que ouvi de Deus; Abraão não fez isso.
41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
41 Vocês fazem as obras do pai de vocês. Eles responderam: — Nós não somos filhos ilegítimos. Temos um pai, que é Deus.
42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
42 Jesus disse:
43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
43 Por que vocês não compreendem a minha linguagem? É porque vocês são incapazes de ouvir a minha palavra.
44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
44 Vocês são do diabo, que é o pai de vocês, e querem satisfazer os desejos dele. Ele foi assassino desde o princípio e jamais se firmou na verdade, porque nele não há verdade. Quando ele profere mentira, fala do que lhe é próprio, porque é mentiroso e pai da mentira.
45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
45 Mas, porque eu digo a verdade, vocês não creem em mim.
46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
46 Quem de vocês me convence de pecado? Se digo a verdade, por que não creem em mim?
47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.
47 Quem é de Deus ouve as palavras de Deus; por isso, vocês não me ouvem, porque não são de Deus.
48 Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
48 Os judeus disseram a Jesus: — Será que não temos razão em dizer que você é samaritano e tem demônio?
49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
49 Jesus respondeu:
50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.
50 Eu não procuro a minha própria glória; há quem a busque e julgue.
51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.
51 Em verdade, em verdade lhes digo que, se alguém guardar a minha palavra, não verá a morte eternamente.
52 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.
52 Então os judeus disseram: — Agora estamos certos de que você tem demônio. Abraão morreu, e também os profetas, e você diz: “Se alguém guardar a minha palavra, não provará a morte eternamente.”
53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
53 Você não está querendo dizer que é maior do que Abraão, o nosso pai, que morreu? Também os profetas morreram. Quem você pensa que é?
54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
54 Jesus respondeu:
55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
55 Entretanto, vocês não o conhecem; eu, porém, o conheço. Se eu disser que não o conheço, serei como vocês: mentiroso; mas eu o conheço e guardo a sua palavra.
56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
56 Abraão, o pai de vocês, alegrou-se por ver o meu dia; e ele viu esse dia e ficou alegre.
57 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?
57 Então os judeus lhe perguntaram: — Você não tem nem cinquenta anos e viu Abraão?
58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.
58 Jesus respondeu:
59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.
59 Então pegaram pedras para atirar nele, mas Jesus se ocultou e saiu do templo.
Atalhos do teclado
- Capítulo anterior←
- Próximo capítulo→
- Versículo anteriork
- Próximo versículoj
- Limpar seleçãoEsc
- Esta ajuda?
Estude este capítulo no WhatsApp
Peça à IA da Bíblia Fala para explicar João 8, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.