Atos 27

Shona Bible (SHONA) vs ACF

Sair da comparação
ACF Almeida Corrigida Fiel
1 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.
1 E, como se determinou que havíamos de navegar para a Itália, entregaram Paulo, e alguns outros presos, a um centurião por nome Júlio, da coorte augusta.
2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.
2 E, embarcando nós em um navio adramitino, partimos navegando pelos lugares da costa da Ásia, estando conosco Aristarco, macedônio, de Tessalônica.
3 Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari, kuti abatsirwe.
3 E chegamos no dia seguinte a Sidom, e Júlio, tratando Paulo humanamente, lhe permitiu ir ver os amigos, para que cuidassem dele.
4 Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,
4 E, partindo dali, fomos navegando abaixo de Chipre, porque os ventos eram contrários.
5 tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.
5 E, tendo atravessado o mar, ao longo da Cilícia e Panfília, chegamos a Mirra, na Lícia.
6 Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.
6 E, achando ali o centurião um navio de Alexandria, que navegava para a Itália, nos fez embarcar nele.
7 Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;
7 E, como por muitos dias navegássemos vagarosamente, havendo chegado apenas defronte de Cnido, não nos permitindo o vento ir mais adiante, navegamos abaixo de Creta, junto de Salmone.
8 tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.
8 E, consteando-a dificilmente, chegamos a um lugar chamando Bons Portos, perto do qual estava a cidade de Laséia.
9 Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwakange kwatopfuura, Pauro akavayambira,
9 E, passado muito tempo, e sendo já perigosa a navegação, pois, também o jejum já tinha passado, Paulo os admoestava,
10 achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.
10 Dizendo-lhes: Senhores, vejo que a navegação há de ser incômoda, e com muito dano, não só para o navio e carga, mas também para as nossas vidas.
11 Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.
11 Mas o centurião cria mais no piloto e no mestre, do que no que dizia Paulo.
12 Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.
12 E, como aquele porto não era cômodo para invernar, os mais deles foram de parecer que se partisse dali para ver se podiam chegar a Fenice, que é um porto de Creta que olha para o lado do vento da África e do Coro, e invernar ali.
13 Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.
13 E, soprando o sul brandamente, lhes pareceu terem já o que desejavam e, fazendo-se de vela, foram de muito perto costeando Creta.
14 Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;
14 Mas não muito depois deu nela um pé de vento, chamado Euro-aquilão.
15 zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.
15 E, sendo o navio arrebatado, e não podendo navegar contra o vento, dando de mão a tudo, nos deixamos ir à toa.
16 Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;
16 E, correndo abaixo de uma pequena ilha chamada Clauda, apenas pudemos ganhar o batel.
17 chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.
17 E, levado este para cima, usaram de todos os meios, cingindo o navio; e, temendo darem à costa na Sirte, amainadas as velas, assim foram à toa.
18 Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;
18 E, andando nós agitados por uma veemente tempestade, no dia seguinte aliviaram o navio.
19 uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.
19 E ao terceiro dia nós mesmos, com as nossas próprias mãos, lançamos ao mar a armação do navio.
20 Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yese yekuti tichaponeswa ikatorwa.
20 E, não aparecendo, havia já muitos dias, nem sol nem estrelas, e caindo sobre nós uma não pequena tempestade, fugiu-nos toda a esperança de nos salvarmos.
21 Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.
21 E, havendo já muito que não se comia, então Paulo, pondo-se em pé no meio deles, disse: Fora, na verdade, razoável, ó senhores, ter-me ouvido a mim e não partir de Creta, e assim evitariam este incômodo e esta perda.
22 Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.
22 Mas agora vos admoesto a que tenhais bom ânimo, porque não se perderá a vida de nenhum de vós, mas somente o navio.
23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
23 Porque esta mesma noite o anjo de Deus, de quem eu sou, e a quem sirvo, esteve comigo,
24 achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vese vanofamba newe muchikepe.
24 Dizendo: Paulo, não temas; importa que sejas apresentado a César, e eis que Deus te deu todos quantos navegam contigo.
25 Naizvozvo varume tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvi senzira yandakaudzwa nayo.
25 Portanto, ó senhores, tende bom ânimo; porque creio em Deus, que há de acontecer assim como a mim me foi dito.
26 Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi.
26 É contudo necessário irmos dar numa ilha.
27 Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari;
27 E, quando chegou a décima quarta noite, sendo impelidos de um e outro lado no mar Adriático, lá pela meia-noite suspeitaram os marinheiros que estavam próximos de alguma terra.
28 vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;
28 E, lançando o prumo, acharam vinte braças; e, passando um pouco mais adiante, tornando a lançar o prumo, acharam quinze braças.
29 zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.
29 E, temendo ir dar em alguns rochedos, lançaram da popa quatro âncoras, desejando que viesse o dia.
30 Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,
30 Procurando, porém, os marinheiros fugir do navio, e tendo já deitado o batel ao mar, como que querendo lançar as âncoras pela proa,
31 Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.
31 Disse Paulo ao centurião e aos soldados: Se estes não ficarem no navio, não podereis salvar-vos.
32 Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.
32 Então os soldados cortaram os cabos do batel, e o deixaram cair.
33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vese kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.
33 E, entretanto que o dia vinha, Paulo exortava a todos a que comessem alguma coisa, dizendo: É já hoje o décimo quarto dia que esperais, e permaneceis sem comer, não havendo provado nada.
34 Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa pamusoro weumwe wenyu.
34 Portanto, exorto-vos a que comais alguma coisa, pois é para a vossa saúde; porque nem um cabelo cairá da cabeça de qualquer de vós.
35 Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vese, akati achimedura akatanga kudya.
35 E, havendo dito isto, tomando o pão, deu graças a Deus na presença de todos; e, partindo-o, começou a comer.
36 Zvino vakatsunga moyo vese, uye ivo vakadya.
36 E, tendo já todos bom ânimo, puseram-se também a comer.
37 Zvino isu, mweya yese yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.
37 E éramos ao todo, no navio, duzentas e setenta e seis almas.
38 Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.
38 E, refeitos com a comida, aliviaram o navio, lançando o trigo ao mar.
39 Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.
39 E, sendo já dia, não conheceram a terra; enxergaram, porém, uma enseada que tinha praia, e consultaram-se sobre se deveriam encalhar nela o navio.
40 Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.
40 E, levantando as âncoras, deixaram-no ir ao mar, largando também as amarras do leme; e, alçando a vela maior ao vento, dirigiram-se para a praia.
41 Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.
41 Dando, porém, num lugar de dois mares, encalharam ali o navio; e, fixa a proa, ficou imóvel, mas a popa abria-se com a força das ondas.
42 Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.
42 Então a idéia dos soldados foi que matassem os presos para que nenhum fugisse, escapando a nado.
43 Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;
43 Mas o centurião, querendo salvar a Paulo, lhes estorvou este intento; e mandou que os que pudessem nadar se lançassem primeiro ao mar, e se salvassem em terra;
44 uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vese vakasvika kunyika vari vapenyu.
44 E os demais, uns em tábuas e outros em coisas do navio. E assim aconteceu que todos chegaram à terra a salvo.

Ler em outra tradução

Comparar com outra

Estude este capítulo no WhatsApp

Peça à IA da Bíblia Fala para explicar Atos 27, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.