Apocalipse 7

Shona Bible (SHONA) vs NVT

Sair da comparação
NVT Nova Versão Transformadora
1 Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo.
1 Então vi quatro anjos em pé nos quatro cantos da terra, impedindo os quatro ventos de soprarem na terra, no mar e em qualquer árvore.
2 Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
2 E vi outro anjo que subia do leste e trazia o selo do Deus vivo. Ele gritou aos quatro anjos que haviam recebido poder para danificar a terra e o mar:
3 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo.
3 “Esperem! Não façam mal à terra, nem ao mar, nem às árvores, até que tenhamos colocado o selo de Deus na testa de seus servos”.
4 Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ese evana vaIsraeri.
4 E ouvi o número dos que foram marcados com o selo de Deus. Eram 144 mil, de todas as tribos de Israel:
5 Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
5 da tribo de Judá, foram selados doze mil, da tribo de Rúben, doze mil, da tribo de Gade, doze mil,
6 kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
6 da tribo de Aser, doze mil, da tribo de Naftali, doze mil, da tribo de Manassés, doze mil,
7 kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsaskari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
7 da tribo de Simeão, doze mil, da tribo de Levi, doze mil, da tribo de Issacar, doze mil,
8 kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo.
8 da tribo de Zebulom, doze mil, da tribo de José, doze mil, da tribo de Benjamim, foram selados doze mil.
9 Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;
9 Depois disso, vi uma imensa multidão, grande demais para ser contada, de todas as nações, tribos, povos e línguas, em pé diante do trono e diante do Cordeiro. Usavam vestes brancas e seguravam ramos de palmeiras.
10 zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
10 E gritavam com grande estrondo: “A salvação vem de nosso Deus, que está sentado no trono, e do Cordeiro!”.
11 Zvino vatumwa vese vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari,
11 E todos os anjos estavam em pé ao redor do trono, dos anciãos e dos quatro seres vivos. Prostraram-se com o rosto em terra diante do trono e adoraram a Deus,
12 vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
12 cantando: “Amém! Louvor e glória e sabedoria, gratidão e honra, força e poder pertencem a nosso Deus, para todo o sempre. Amém!”.
13 Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?
13 Então um dos anciãos me perguntou: “Quem são estes vestidos de branco? De onde vieram?”.
14 Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.
14 Eu lhe respondi: “Senhor, tu sabes”. E ele disse: “São aqueles que vieram da grande tribulação.
15 Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo.
15 “Por isso estão diante do trono de Deus e dia e noite o servem em seu templo. E aquele que se senta no trono lhes dará abrigo.
16 Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, nezuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako;
16 Nunca mais terão fome, nem sede, e o calor do sol nunca mais os queimará.
17 nokuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafunda, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; uye Mwari achapusika misodzi yese pameso avo.
17 Pois o Cordeiro que está no centro do trono será seu Pastor. Ele os guiará às fontes de água viva, e Deus enxugará de seus olhos toda lágrima”.

Ler em outra tradução

Comparar com outra

Estude este capítulo no WhatsApp

Peça à IA da Bíblia Fala para explicar Apocalipse 7, comparar traduções ou montar um estudo — tudo direto pelo WhatsApp.